Proverbs 18

1Munhu asina ukama navamwe anongozvitsvakira zvake;
anozvidza kutonga kwakanaka kwose.
2Benzi harifariri kunzwisisa,
asi rinofarira kungotaura zvarinofunga chete.

3Panosvika chakaipa, kuzvidzwa kunouyawo,
uye kana nyadzi dzichisvika kusakudzwa kwasvikawo.

4Mashoko omuromo womunhu imvura yakadzika,
asi tsime rouchenjeri chitubu chinoyerera.

5Hazvina kunaka kutsaura akaipa
kana kusaruramisira asina mhosva.

6Miromo yebenzi inoriunzira kukakavara,
uye muromo wake unomukokera kurohwa.

7Muromo webenzi ndiwo kuparadzwa kwaro,
uye miromo yaro ndiwo musungo kumweya waro.

8Mashoko amakuhwa akaita semisuva yakanakisisa;
anoenda pakadzikadzika mukati momunhu.

9Uyo ano usimbe pakubata kwake
ihama youyo anoparadza.

10Zita raJehovha inhare yakasimba;
vakarurama vanomhanyira kwariri vagochengetedzwa.

11Pfuma yavapfumi ndiro guta ravo rina masvingo;
vanoriona sorusvingo rurefu pakufunga kwavo.

12Kuparadzwa kusati kwasvika, mwoyo womunhu unozvikudza,
asi kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.

13Uyo anopindura asati anzwa,
ndihwo upenzi hwake nokunyadziswa kwake.

14Mweya womunhu unomusimbisa panguva yokurwara,
asi mweya wakapwanyika ndiani angautakura?

15Mwoyo woune njere unowana ruzivo,
nzeve dzowakachenjera dzinorutsvaka.

16Chipo chinozarurira nzira kune achipa,
uye chinomusvitsa pamberi pavakuru.

17Anotanga kusvitsa nyaya yake anoita seakanaka,
kusvikira mumwe auya mberi kuzomubvunza.

18Kukanda mijenya kunopedza gakava,
uye kunotonga pakati pavaviri vanopikisana zvikuru.

19Hama yatadzirwa yakavangarara kupfuura guta rakakomberedzwa namasvingo,
uye kukakavara kwakafanana namazariro amasuo omuzinda wamambo.

20Kubva pazvibereko zvomuromo wake dumbu romunhu rinogutiswa;
nezvinobva pamiromo yake achagutiswa.

21Rurimi rune simba roupenyu norufu,
uye vaya vanoruda vachadya chibereko charwo.

22Uyo anowana mudzimai anowana chinhu chakanaka,
uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.

23Murombo anokumbira kuitirwa tsitsi,
asi mupfumi anopindura nehasha.

24Munhu ane shamwari dzakawanda angangoparadzwa,
asi kune shamwari inonamatira kupfuura hama.
Copyright information for SnaBDSC